Ecclesiastes 6

1Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru: 2Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza.

3Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye. 4Anouya asina zvaanoreva anoendazve murima, uye murima zita rake rinofukidzirwa. 5Kunyange asina kumboona zuva kana kuziva chinhu, ane zororo rinopfuura munhu iyeyu, 6kunyange akararama makore anokwana zviuru zviviri, asi akatadza kufadzwa nezvaanowana. Ko, vose havaendi kunzvimbo imwe chete here?

7Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake,
kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
8Ko, akachenjera anokurira
benzi pachii?
Ko, murombo anowanei nokuziva
kuzvibata pamberi pavamwe?
9Zviri nani zvinoonekwa nameso
pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo.
Izviwo hazvina maturo,
kudzinganisana nemhepo.

10Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare,
uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare;
hakuna munhu anorwisana
nomunhu anomupfuura pasimba.
11Kuwanda kwamashoko
ndikowo kuwanda kwezvisina maturo,
uye zvingabatsira aniko zvakadai?
12Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda?

Copyright information for SnaBDSC